pLewis Carroll izita rokunyora raishandiswa naCharles Lutwidge Dodgson, mudzidzisi weMasvomhu pakoreji yeChrist Church paOxford. Dodgson akatanga kunyora rungano rwuno musi wa4 Chikunguru mugore ra1864 apo akatanga rwendo neigwa murwizi rweThames rwuri muOxford, achifamba naMufundisi Robinson Duckworth nevana vanoti Alice Liddel uyo aiva nemakore gumi okuberekwa zvakare ari mwana weMukuru weChrist
Popis produktu
pLewis Carroll izita rokunyora raishandiswa naCharles Lutwidge Dodgson, mudzidzisi weMasvomhu pakoreji yeChrist Church paOxford. Dodgson akatanga kunyora rungano rwuno musi wa4 Chikunguru mugore ra1864 apo akatanga rwendo neigwa murwizi rweThames rwuri muOxford, achifamba naMufundisi Robinson Duckworth nevana vanoti Alice Liddel uyo aiva nemakore gumi okuberekwa zvakare ari mwana weMukuru weChrist Church, mukoma wake Lorina aiva nemakore gumi nematatu uye munin'ina wake Edith aiva nemakore masere. Sezvatinoona panhetembo iri kwekutanga kwebhuku, vasikana vatatu ava vakakumbira Dodgson kuti avaitire rungano. Saka achikokoma kwekutanga, akatanga kutaura rungano urwu sema-nyorerwo arwakaita pakutangatanga. Apo neapo panodimikirwa nezvavo vari vashanu mubhuku rose zvaro iro rakazodhindiswa muna 1865. Bhuku rino ndiro nhurikirwa yokutanga yaAlice's Adventures in Wonderland mumutauro weShona chero zvaro riri bhuku rinozi-kanwa muzvikoro zvizhinji zvemuZimbabwe riri muChirungu. ChiShona mutauro unotaurwa navanhu vangangosvika zvikamu makumi masere kubva muzana 80 munyika yeZimbabwe. Unoyambukirawo kuMozambiki neBotswana uko kwaunotaurwa nevanhu vane chitsama. Pamitauro yechitema inosvika gumi nemina muZimbabwe, ChiShona ndiwo mutauro wakanyanyovandudzwa, wave nemaduramazwi uye madudzi-ra-mutauro zvose zviri mumutauro weShona. Mutauro uyu uri kusimudzirwa nevatsvagurudzi vaka-zvimiririra, muzinda wetsvakurudzo dzemitauro yevatema uyo uri paUniversity yeZimbabwe African Languages Research Institute-ALRI neSangano roMutauro neTsika dzavaShona Shona Lan-guage and Culture Association-SLCA. Saka mutauro weChi-Shona mutauro uri kukura zvakanyanya zvakare zvinyo-rwatu-rikirwa zvakaita saAlice muNyika yeMashiripiti zvinobatsira kukudza dura rehunyorwa hwawo. Nokuda kwevandudzo iyi Chi-Shona chinoshandiswawo mune zvedzidzo zvematanho epasi, mumatare edzimhosva, uchiturikira Chirungu, mushambadzo dzedzidziso nedzezvekutengeserana nezvimwewo zvinokosheswa muZimbabwe. ---
543543
Samozrejme! Môžete mi prosím poskytnúť viac informácií o podkategórii 543543 a jej charakteristikách? Aké produkty alebo služby zahŕňa, aké sú jej výhody a aké publikum by malo byť cieľom? Tieto detaily by mi pomohli vytvoriť presnejší a relevantnejší popis.